Home Provincial News Local Government Guta reBindura Harina Zvimbuzi Zveruzhinji
Local Government - Provincial News - July 29, 2024

Guta reBindura Harina Zvimbuzi Zveruzhinji

Vagari vemuBindura vakurudzira kanzuru yavo kuti iise zvimbuzi zve ruzhinji muguta nekuti zvose zvirimo zvinoda mutero.

Panguva iyo mamwe maguta aine zvimbuzi muguta kuitira veruzhinji, kanzuru yeBindura irikutoteresa zvayo zvimbuzi kune vamwe vanhu avo varikuda mubhadharo kuti munhu ashandise chimbuzi chacho. Kurwadza kwazvo ndekwekuti nyangwe zvazvo vanorindira zvimbuzi izvi vachida $0,50c, vanhu varikusiya ari madhora nekuda kweku shaikwa kwechenji.


Vatapi vedu vachitaura neva bvakachi muguta reBindura svondo radarika vakaudzwa ivo nevazhinji  kuti zvimbuzi zveruzhinji, zvemahara zvino dikanwa.


Vatapi vedu vakazama kutaura naforomani wema kanzura eBindura Jacob Gwature svondo radarika maererano nenyaya iyoyi asi akatoita hake kunge chimumu, haana kana kutaura kana kupindura nhare dzavo.


Vamwe vagari vemuBindura varikusiwira ivo kuti kanzuru ichinje kubudikidza nekubva kwaGwature uyo vari kuti haasi kushanda achiswerera madhiri.


Kanzuru yeBindura ine matambudziko akawandisa panguva ino. Migwagwa zvakare haina kumira zvakanaka kunyanya murukesheni  umo vazhinjil varikuti zvitara zvakasara ngazvikwatanurwe.
Zvakare migwagwa imwe yacho yakakombwa nehuswa hurefu umo muniva murikuvanda mabhinya nematsotsi kunyanya mugwagwa weChipindura.


Zvakare kanzuru iri kutadza kugadzirisa marhobhoti muguta. Izvi zvatova kana nemakore mapfumbamwe, uyezve zviri kukonzera mvenge mvenge mumigwagwa sezvo umwe neumwe arikungoita madiro aJojina.
Vamwe vagari ndivo varikuti uyo akambenge ari mayor Brian Kembo ngaadzoserwe.


Kembo aizivikanwa nekuwana nguva nevagari veguta uye kufambisa mashoko nenguva panyaya dzinoita nezvekanzuru. Vachidzokea kunyaya yezvimbuzi zvemahara, veru zhinji vakakurudzira kanzuru kuti isumudze musoro wayo yogadzirisa nyaya iyi.


Hapana kana chiteshi chimwe chete chine chimbuzi chemahara, kunze kwekumusika wemabhazi.
VaBevean Murindi vekuMatepatepa vakati ivo kazhinji vakauya muguta vanoto zvibatsirira muzvimbuzi zvemuma bhawa.


Izvi ndizvo zvatingatoti zvinoita varume vazhinji kusanganisira avao vasinganwe doro racho, kana vachinge vapinda muBindura. Asiwo vakadzi vanoita sei?


Vana amai ndivo vari kuzotorerwa madhora nekushaikwa kwechenji. Nerimwe divi, kushaikwa kwezvimbuzi uku zvakare kuri kukonzeresa uchapa.


Vamwe ndivo vakungozvibatsirira mumikoto vachizosiya guta richinhuwa.

Check Also

FRGM Mourns Colleague Stewart Chigora

For all the News from Mashonaland Central, Join One of Our Groups:It is with deep and sinc…