Five in One Theatre Group Yovaraidza Weruzhinji
Centenary-Chikwata chemutambo wekusetsa pamwe nekudzidzisa icho chinonzi Five in One Theatre Group chinowanika kwaMhene kuCentenary choenderera mberi nekunakidza weruzhinji munharaunda yenzvimbo iyi.
Parezvino chikwata ichi chine mitambo mishanu iyo yachiri kufamba chichipakurira weruzhinji muzvikoro pamwe nemunzvimbo dzinoitirwa mafaro.Mitambo yechikwata ichi yakarerekera kudzidzisa kuipa kwekushandiswa kwezvinodhaka, kushata kwekuroorwa kwevana vasati vayaruka uye kushata kwekubatwa chibharo kunyanya kuvanhukadzi avo vasina simba zhinji rekupunyuka panyatwa iyi.
Five in One chikwata chinotungamirwa naTafadzwa Maisato uye ndiye anonyora mitambo yose yechikwata ichi.Parezvino chikwata ichi chine vatambi vashanu vanoti iye Tafadzwa Maisato,mudzimai wake pamwe nemadzikoma ake matatu.Chikwata ichi chine vana wemhuri imwechete ndosaka chakanzi Five in One izvo zvinoburitsa kubatana pamwe nekushandidzana kwemhuri iyi.
Nenyaya dzekushaika kwemari, chikwata ichi hachisi kukwanisa kunoitira mitambo yacho kunzvimbo dziri kure uye chiri kutadza zvekare kutsikisa mitambo yacho kuti igoonekwa pazvivhitivhiti sezvinoitwa nezvimwe zvikwata zvemitambo yekusetsa weruzhinji.”Mari ndiyo iri kusunga zvinhu hatisi kukwanisa kuenda kunzvimbo dziri kure kunoita mitambo yedu uye mitambo yedu haisi pazvivhitivhi nokuti panodiwa mari yekuti tizviite,” akadaro Tafadzwa Maisato.
Mukutaura kwaTafadzwa zvinotaridza kuti pane wezvemabhizimusi vakambovimbisa kubatsira chikwata ichi nemari asi parezvino hapana ati abatsira chikwata ichi.”Tine vamwe varimi vakamboti vachatibatsira asi kusvika parezvino hatisati tabatsirwa,” akadaro Tafadzwa.Zvisinei nehurombo,chikwata ichi chiri kuratidza kufarirwa zvikuru nekuti pose pachinoita mitambo yacho chinounganidza vanhu vazhinzji kwazvo kubva kumazera ose.
Mumwe akamboona chikwata ichi,Natasha Guru akati chikwata ichi chine vatambi vane chipo chekusetsa.”Ndakamboona chikwata ichi kamwechete uye ndakafa nekuseka nekuti vanogona,”akadaro Natasha Guru.Nechinangwa chekuda kuwedzera mafaro,mukuru wechikwata ichi anoti ari kunyora mumwe mutambo zvekare uyo unonzi ‘Mhosva’ uri mutambo unogona kufarirwa zvikuru nemapurisa nekuti mutambo wacho unopokana nekuparwa kwemhosva zhinji.
Chikwana cheFive in One,chikwata chine ramangwana rakajeka kana tichitarisa nyaya dzekufadza weruzhinji asi rwendo rwechikwata ichi rwunogona kureruka kana vakawana rutsigiro kunyanya rwemari yekutsikisa mitambo yavo pamwe nekutenga nhumbi dzekushandisa pakuita mitambo yacho.
Brigadier General Ndabambi Passes Away
The Zimbabwe National Army (ZNA) has announced the death of Brigadier General (Retired) Sh…